Ecclesiastes 11

Chingwa pamusoro peMvura

1Kanda chingwa chako pamusoro pemvura zhinji,
nokuti mushure mamazuva mazhinji uchachiwanazve.
2Govera vanomwe, kunyange navaserewo;
nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika.
3Kana makore azara nemvura
anonayisa mvura panyika.
Hazvinei kuti muti wawira zasi kana kumusoro,
panzvimbo paunowira, ndipo paucharara.
4Ani naani anotarira mhepo haangadyari;
ani naani anotarira makore haangakohwi.

5Sezvo usingazivi nzira yemhepo,
kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai,
saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari,
Muiti wezvose.

6Kusha mbeu dzako mangwanani,
uye madekwana urege kugarira maoko ako,
nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi,
chingava ichi kana icho,
kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka.

Rangarira Musiki wako uchiri muduku

7Chiedza chakanaka,
uye zvinofadza meso kuona zuva.
8Kunyange zvazvo munhu akararama makore mazhinji,
ngaafadzwe nawo ose.
Asi ngaarangarire mazuva erima,
nokuti achava mazhinji.
Zvose zvichazouya hazvina maturo.

9Fara zvako jaya, pauduku hwako,
uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako.
Tevera nzira dzomwoyo wako,
nezvose zvingaonekwe nameso ako,
asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi
Mwari achakusvitsa pakutongwa.
10Saka zvino dzinga zvinonetsa pamwoyo
wako ugobvisa zvinotambudza pamuviri wako,
nokuti uduku nesimba hazvina maturo.
Copyright information for SnaBDSC